Isaiah 13

Chiprofita pamusoro peBhabhironi

1Shoko rakaonekwa naIsaya mwanakomana waAmozi pamusoro peBhabhironi:

2Simudzai mireza pamusoro pechikomo chisina miti,
danidzirai kwavari;
muninire kwavari
kuti vapinde pamasuo amakurukota.
3Ndakarayira vatsvene vangu;
ndakadana varwi vangu kuti vazadzise kutsamwa kwangu,
avo vanofadzwa nokukunda kwangu.

4Inzwai, kutinhira pamusoro pamakomo,
kwakafanana nokwavanhu vazhinji zhinji!
Inzwai, mheremhere pakati poumambo,
sendudzi dziri kuungana pamwe chete!
Jehovha Wamasimba Ose ari kugadzirira
mauto kundorwa.
5Vanobva kunyika dziri kure,
kubva kumagumo amatenga,
Jehovha nezvombo zvokutsamwa kwake,
kuti aparadze nyika yose.

6Ungudzai, nokuti zuva raJehovha rava pedyo;
richauya nokuparadza kunobva kuna Wamasimba Ose.
7Naizvozvo maoko ose achashaya simba,
mwoyo mumwe nomumwe wavanhu uchanyungudika.
8Kutya kuchavabata,
kurwadziwa nokugomera zvichavabata,
vachamonyoroka somukadzi ari kusununguka.
Vachatarisana vachishamisika mumwe nomumwe wavo,
zviso zvavo zvichipfuta.

9Tarirai, zuva raJehovha riri kuuya,
zuva rakaipisisa, rine hasha nokutsamwa kunotyisa,
kuti nyika ive dongo
uye nokuzoparadza vatadzi vari mukati mayo.
10Nyeredzi dzokudenga namapoka adzo
hadzizoratidzi chiedza chadzo.
Zuva rinobuda richasvibiswa
uye mwedzi hauzopi chiedza chawo.
11Ndicharanga nyika nokuda kwokuipa kwayo,
navakaipa nokuda kwezvivi zvavo.
Ndichagumisa vanozvikudza pakudada kwavo,
uye ndichaderedza kuzvikudza kwavasina tsitsi.
12Ndichaita kuti munhu ashayikwe kudarika goridhe,
ashayikwe kudarika kushayikwa kwegoridhe reOfiri.
13Naizvozvo ndichabvundisa matenga;
uye nyika ichazungunuka kubva panzvimbo yayo,
nehasha dzaJehovha Wamasimba Ose,
pazuva rokutsamwa kwake kunopisa.

14Semhara inovhimwa,
samakwai asina mufudzi,
mumwe nomumwe achadzokera kuvanhu vokwake,
mumwe nomumwe achatizira kunyika yake.
15Mumwe nomumwe achabatwa achabayiwa,
vose vanobatwa vachaurayiwa nomunondo.
16Vacheche vavo vacharoverwa pasi vagobvamburwa-bvamburwa vachizviona;
dzimba dzavo dzichapambwa uye vakadzi vavo vachachinyiwa.

17Tarirai, ndichavamutsira vaMedhia
vasina hanya nesirivha,
uye vasingafariri goridhe.
18Uta hwavo huchabaya majaya;
havazovi nengoni navacheche
kana kutarira vana netsitsi.
19Zvino Bhabhironi rembiri paumambo,
kubwinya kwokuzvikudza kwavaBhabhironi,
richaparadzwa naMwari
kufanana neSodhomu neGomora.
20Haringatongogarwizve navanhu
uye hakuna vachazogaramo kusvikira kuzvizvarwa zvose;
hapana muArabhu achadzika tende rake ikoko,
hakuna mufudzi achazorodza makwai ake ikoko.
21Asi zvisikwa zvomugwenga ndizvo zvichagara ikoko,
makava achazadza dzimba dzavo;
mazizi achagara ikoko,
uye imomo ngururu dzichakwakuka-kwakuka.
22Mapere achachema ari munhare dzavo,
makava mudzimba dzavo dzinoyevedza dzamadzimambo.
Nguva yake yaswedera,
uye mazuva aro haazowedzerwi.
Copyright information for SnaBDSC